Waizviziva here kuti YouVersion ine mhuri yemapurogiramu eBhaibheri? Kubva kuvana, kusvika kune vechidiki, kusvika kuvakuru—munhu wese anoshandisa Shoko raMwari zvakasiyana. Ndosaka takagadzira mapurogiramu akagadzirirwa vanhu vari munzvimbo dzakasiyana dzehupenyu nematunhu.
Ziva kuti ndeipi purogiramu yeBhaibheri yakakunakira!
Tichizivisa: Bible Loop
Bible Loop ndiyo nhengo itsva yeMhuri yemaPurogiramu edu! Yakagadzirirwa vechidiki, Bible Loop inopa zviitiko zvinonakidza, zvinhu zvekushandisana nazvo, uye mitambo yekurangarira nayo Magwaro. Kana uri wechidiki, kana kuti uine wechidiki muhupenyu hwako, hauzodi kupotswa neizvi.
Bible App yevana vadiki
Purogiramu iyi ndeyevana vadiki vari muhupenyu hwako. MuBible App yeVana, uchawana nyaya dzeBhaibheri dzinobaya mwoyo nemitambo yakagadzirirwa kubatsira vana kuda Mwari neShoko rake.
Bhaibheri App
Sangana nepurogiramu yeBhaibheri iri #1 pasi rose! Neshanduro dzinopfuura 3,500, mitauro 2,300, uye zviuru zvezvirongwa zveBhaibheri, hazvina kumbobvira zvava nyore kuwana nguva muShoko raMwari nenzira inokushandira.
App yeBhaibheri Diki
Bible App Lite inokubvumira kuti unakidzwe neShoko raMwari usina intaneti, kupi zvako, panguva ipi neipi. Purogiramu iyi inowanikwa mumatunhu akasarudzwa.
Iva chikamu che 30-Day Challenge nekudhawunirodha imwe yemaPurogiramu aya! Uye, kutanga musi wa 1 Mbudzi, shandisa Bible App kwemazuva 30 akatevedzana, uwane Bheji rakasarudzika reGlobal Bible Month.
Zvatumirwa izvi zvinowanikwa futi mu:

