Joshua paakaenda kuchirongwa cheBhaibheri chevana, akawana Bible App for Kids. Ndipo pakachinja zvinhu zvose.
Akazvarwa ari bofu, akadzidza kuti aigona kungoteerera Shoko raMwari, akabva akurumidza kudanana neBhaibheri.
Vachiona mufaro wakashandura mwanakomana wavo, baba vake vakaenda kuchechi ndokupa upenyu hwavo kuna Kristu musi iwoyo chaiwo. Pasina nguva, mhuri yavo yose yakagamuchira Jesu.
Iye zvino, Joshua nevabereki vake vanoshumira muchechi yavo, vanoverenga Bhaibheri pamwe chete zuva nezuva, uye vanofarira kugovera Bible App for Kids nevamwe.
Unoda kuti vana vaunogara navo vadanane neShoko raMwari here? MuMwedzi weBhaibheri Pasi Rose, tarisa Bible App for Kids, uye uzivise vana kuMagwaro kuburikidza nenyaya dzeBhaibheri dzinobatanidza. ⬇️
Zvatumirwa izvi zvinowanikwa futi mu:

