Yambiro pamusoro pezviri mukati: nyaya inotevera ine nyaya dzekuzvikuvadza nekuora mwoyo dzingakuvadza vamwe vaverengi.

Alice paaiva nemakore gumi nematanhatu, ainzwa kusungwa nemarwadzo nekurasikirwa, akakundwa nekuora mwoyo nekusurukirwa.
Nekushaya tariro kwakange kuchiwedzera, humwe husiku akafunga kutora hupenyu hwake. Zvisingatsananguriki ndopazvakabva zvaitika.
Ari pamuromo wehwindo reimba yake yakakwirira, mhepo yakavhuvhuta pakarepo ikaita kuti adonhere shure mukamuri make pane kuti adonhere mberi.
Paakanga avete pasi, akakatyamara achichema, Alice akagashira meseji kubva kumuvakidzani wake achimukoka kuchechi. Akabvuma kuenda, uye ndipo paakatanga kuziva App yeBhaibheri.

Akatanga Hurongwa hweBhaibheri uye kuburikidza nayo, akawana tariro ndokupa hupenyu hwake kuna Jesu.
Nhasi, Alice anogadzira uye anoburitsa Bible Plans seYouVersion Partner achishandisa app imwe cheteyo yakamuzivisa kuna Jesu. Haangogari azere netariro chete — ari kuiparadzira.
Pane waunoziva muhupenyu hwako anonyatsoda Mwari here? Mutsanangurire nezveApp yeBhaibheri, uye kumbira Mwari kuti avazadze netariro.
Zvatumirwa izvi zvinowanikwa futi mu:
